48 Ndini zingwa roupenyu. 49 Madzibaba yenyu yadoja mana musango, asi vadopfa. 50 Iri ndiro zingwa ridoburuka kubva kudenga, kuti munhu arije areke kupfa. 51 Ndini zingwa ripuma ridoburuka kubva kudenga, wese zvache anoja zingwa rakareri, anochira nokusingapere, futi zingwa randichapasa, kuitira kuti nyika iwane upenyu ndiwo muviri wangu."