53 Saka Jesu adoti kwavari, "Chokwadi ndinokunyepai kuti, kusiya kwokuti matoja muviri woMwanakomana woMunhu nokumwa gazi rache, hamunai upenyu mamuri, 54 uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu ano upenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira, 55 nokuti muviri wangu chikafu chaicho, pakare gazi rangu nyhokumwa chaicho. 56 Uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu anogara mandiri, nainini maari. 57 Fanike Baba vapenyu vadondituma, inini ndinorarama nokuda kwaBaba, saka uyo anondija achararama nokuda kwangu. 58 Iri ndiro zingwa ridouya kubva kudenga, risinai kufanana noridojiwa nomadzibaba vadodzopfa, uyo anoja zingwa rakareri anochira nokusingapere."