6 Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. 7 Firipi adomupindura achiti, "Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu." 8 Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin’ina naSimoni Pita adoti kwaari, 9 "Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?"
10 Jesu adoti kwavari, "Itai kuti vanhu vagarikike pasi." Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano. 11 Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. 12 Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, "Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa." 13 Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.