Jesu Anoporesa Murume Adozvahwa ari Rombe
1 Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. 2 Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, "Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?"
3 Jesu adovapindura kuiti, "Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. 4 Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. 5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika."
6 Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, 7 achiti kwaari, "Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi" (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.
8 Vavakidzani novadombomuona kare achiri kuita zvokupemha vadoti, "Iyeyu ndiyeba nai munhu waigara achikumbira kare?"
9 Vamwe vadoti, "Ndiyeyu," vamwewo ndokuti, "Neye, vadondofanana." asi iye waimbondoti, "Ndini." 10 Vadoramba vachindomubvunza vachiti, "Naiwe, meso yako yadovhurika tini?"
11 Iye adovapindura achiti, "Murume anoitiwa Jesu adokanya tumatope ndokuparanga mumaziso mangu achinditi, ‘Enda kuSiromi koshamba’ saka ndidoenda ndokubva ndaakuona."
12 Vadoti kwaari, "Ari poi?"
Iye adopindura achiti, "Handizive."