Jesu Anoporesa Murume Adozvahwa ari Rombe
1 Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. 2 Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, "Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?"
3 Jesu adovapindura kuiti, "Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. 4 Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. 5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika."
6 Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, 7 achiti kwaari, "Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi" (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.