Pular para o conteúdo
Publicidade

Ruka 10

30 Jesu adopindura achiti, "Murume waiburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko, adobatiwa nomakororo, yadomusunhura nokumurova, nokumukuwadza vachibva vaenda vachimusiya wakomoka. 31 Zvino muphirisita waitekairawo nonzira yakareyo, paadoona murume wakareyo adotsambuka achimutsemba. 32 MuRevhiwo, paadosvika pakarepo achiona, adotsambuka achimutsemba kamu. 33 Asi muSamariya, wanga ari pahwendo, paadosvika paanga ari, paadomuona, adomunzvira tsitsi, 34 adoenda paari, ndokudira mapfuta nowaini pazvironda zvache, achizvipomberera, achibva wamukwidza paburu rache, achimuendesa kuimba yovarendo, kwaadomuchengetera. 35 Mangwana yacho adobiritsa madhinari yake mairi achiyapasa muchengeti woimba yovarendo, achiti, Muchengetei, pandinodzoka ndinodzoripa zvimwe zvese zvamunenge mashandisa."

36 "Mbani pavatatu vakarevo, waunofunga, kuti ndiye adoratidza kuva mabiyake kumurume wokubatiwa nomakororo?"

37 Ridoti, "Nyakumunzvira tsitsi."

Jesu adoti kwaari, "Endawo woita zvakarezvo."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também