Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 7

Jesu Anorapa Muranda Womukuru Wozana

1 Paadopedza kutaura uku kwese vanhu vachinzva adopinda muKaperenaume. 2 Zvino mukuru wozana romauto wanga ano muranda waikosha kwaari, wanga achihwara zvokutoda kupfa. 3 Paadonzva nozvaJesu, adotuma kwaari vakuru vovaJudha achimukumbira kuuya kudzoporesa muranda wache. 4 Pavadosvika kuna Jesu, vadomuteterera chaizvo vachiti, "Adokodzera kuti mumuitire zvakarezvi, 5 nokuti anoda rudzi redu, futi adotivakhira sinagoge redu."

6 Zvino Jesu adoenda navo. Paanga wava papfupi nopamumba mukuru wozana romauto adotumira shamwari dzache kwaari, dzidobva dzati kwaari, "Ishe rekai zvenyu kuzvinetsa. Ndava ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu, 7 naizvozvo naininiwo ndinotarisiraba kuuya kwakareko. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. 8 Nokuti naininiwo ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kuno umwe, Enda kwakati!Iye woenda, nokuno umwe, Uya kuno!Iye wouya, nokumuranda wangu, Ita chakati!Iye woita."

9 Jesu paadonzva zvakarezvi adoshamisika naye, ndokuchungunukira kugurusvusvu rovanhu vaimutevera achiti kwavari, "Ndinokunyepai kuti, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi!"

10 Zvino vanga vatumiwa pavadodzoka kumba, vadowana muranda wapora.

Veja também