Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 9

12 Pakwanga kwaakudoka, vanogumi novairi vadouya ndokuti kwaari, "Kototsai vanhu, kuti vaende mumisha nomunzvimbo dzidopoteredza, kwavangawane zvokuja, ndava tiri musango." 13 Asi iye adoti kwavari, "Imipa vapasei zvavangaje." Ivo vadoti, "Hatinai zvinopfuura mazingwa mashano nohove dziiri, kunze kwokuti titoenda kotengera vanhu vakareva vese zvokuja." 14 Ndava panga pano vanhurume vaitosvika zviuru zvishano. Zvino adoti kuvadzidzi vake, "Garisai vanhu muzvikwata zvomakumi mashano." 15 Vadoita izvozvo, ndokugarisa vanhu vese pasi 16 Adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudenga, achizvikomborera nokuzvikomorakomora achipasa vadzidzi vache kuti vazvipase vanhu. 17 Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvidosara, ndokuzadza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu.

Veja também