Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 9

38 Padoita murume wanga ari mumhomho, adodaidzira Jesu achiti, "Mudzidzisi, ndapota, ndionereiwo mwanakomana wangu, nokuti ndiye chete mwana wangu! 39 Shave rinomubata, woerekana wathanga kukuwa, rinomugwetedza nosimba kusvikira waakuphupha furu. Anobva wati raphatha, risingamusiye kamangu, futi riri kutomuparadza. 40 Ndakumbira vadzidzi venyu kuti varibiritse, asi varitadzirira."

41 Jesu adomupindura achiti, "Imi vanhu vonguwa ino vasingatende, vadotaika, ndichava naimimi nokuva nomwoyo murefu naimimi kusvikira rini? Ndichakubatsirai kusvikira riniko? Uya nomwanakomana wako pano."

42 Paanga achiuya shave ridomuumburudza richimugwetedza nosimba. Asi Jesu adokaruza mweya wotsambwa, ndokuporesa mukomana, nokumupereka kuna baba vache. 43 Vese vadoshamisika nokuona ukuru hwaMwari. Zvino vachiri kushamisika nozvese zvaadoita, adotaura kuvadzidzi vache.

Veja também