Kuva kana Kusava Muranda Adotendeka
45 Mbani zvino muranda adotendeka adochenjera, adoisiwa natenzi wache pamusoro povaranda vari mumba mache, kuti ambovapasa zvokuja panguwa idokodzera? 46 Adokomborehwa muranda wakareyo anoti kana tenzi wache achisvika anomuwana achiita daro. 47 Chokwadi ndinoti kwamuri, achamuisa pamusoro pozvinhu zvache zvese. 48 Asi kana ari muranda adoipa anoti mumwoyo mache, ‘Tenzi wangu wachehwa kuuya,’ 49 wothanga kurova varanda biyache, woja nokumwa novararadzi, 50 tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire nopanguwa yaasingazive, 51 iye achamuranga, achamuisa pabodzi novanyengeri, ipopo vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava yokudzimbiwa.