Mufananidzo woVaranda Vatatu
14 "Umambo hwaMwari hudofanana pakare nomurume adoenda hwendo, adodaidza varanda vache vaadovimba navo kusiira pfuma yache, 15 umwe adomupasa masaga mashano yondarama, umwe mairi, umwe ribodzi, umwe noumwe adopasiwa maererano nomagonero yache. Saka tenzi adobva waenda zvache. 16 Uyeuye adotambira masaga yondarama mashano adoenderafuti koita maronda nayo, achibva wawana yamwe mashano pamusoro. 17 Ndomwenze kamu nouye wanga anomasaga yondarama mairi adowana yamwe mairi. 18 Asi uye adotambira ribodzi adoenda koricherera pasi achivikha mari yatenzi wache.
19 Zvino kwapera nguwa irefu tenzi wovaranda vakarevo adouya kudzovabvunza zvavanga vaita nomari yache. 20 Iyeuye adotambira masaga yondarama mashano adouya achipereka yamwe mashano achiti, ‘Tenzi mudonditambidza masaga yondarama mashano, ndino yamwe yandidoingidzira mashano.’ 21 Tenzi wache adoti kwaari, ‘Hekani, muranda adonaka adotendeka, udova adotendeka pazvishoma, ndichakuita mukuru pazvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 22 Nouye wanga ano masaga yondarama mairi adouyawo achiti, ‘Tenzi, mudondipasa masaga yondarama mairi, ndaingidzira yamwe mairi pamusoro poyamudondipasa.’ 23 Tenzi wache adoti kwaari, ‘Inde, muranda adonaka adotendeka, wanga udotendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pozvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 24 Nyakupasiwa saga rondarama ribodzi adouyawo achiti, ‘Tenzi ndidokuzivai kuti muri munhu adooma, munokohwa pamusinai kujara, nokuunganidza pamusinai kuwaza mbeu. 25 Saka ndidocha, ndokubva ndaenda kovikha muivhu saga renyu rondarama. Onai, ndiri saga renyu rondarama.’ 26 Asi tenzi wache adomupindura achiti, ‘Naiwe muranda adoipa nyanungo, handiti waiziva kuti ndinokohwa pandisinai kujara, nokuunganidza pandisinai kuwaza mbeu? 27 Saka dai udoisaka mari yangu kubhengi, kuti pakuuya kwangu ndidzoitambira yabereka. 28 Saka mutorerei saga rondarama raanaro, muripase ano masaga gumi. 29 Ndava wese anozvaanazvo, achapasiwa zvimwe zvidowanda, wova nozvizinji. Asi uyo asinai chinhu achatorehwa nochaanacho peno. 30 Khandirai muranda wakareyo asinai nokabonyo kese murima rokunze, kwakareko vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava nokudzimbiwa.’