Publicidade

Apocalipse 21

10 Ipopo muMweya adonditakura achindiisa kugomo rikuru, rirefurefu, ndokundinangidza guta ritsvene Jerusarema richiburuka pasi richibva kudenga kuna Mwari, 11 rinokubhwinya kwaMwari. Chiedza charene changa chidoita kunge dombo rinokosha maninge, kunge dombo rojasipisi, ridongwerevera kunge mvura yomatarara. 12 Ranga rinomadziro makurufuti marefurefu, nomisuwo gumi nomiiri, pamisuwo panga pano ngirozi gumi nodziiri, uye panga padonyorewa mazita gumi nomairi yomarudzi yovana vaIzirairi, 13 kumabvazuva kwanga kuno misuwo mitatu, kumaodzanyemba misuwo mitatu, kuchamhembe misuwo mitatu, nokumadokero misuwo mitatu. 14 Madziro yoguta yanga yanonheyo gumi nodziiri pamusoro padzene panga padonyorewa mazita yonhumwa dzoHwayana gumi nodziiri.

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_12-11-46-