Pular para o conteúdo
Publicidade

JOHWANI 1

45 Firipi adowana Natanieri ndokuti kwaari, "Tamuwana adonyohwa naMozisi pamusoro pache mumurairo, novaporofiti, Jesu woNazareta Mwanakomana waJosefa."

46 Natanieri adobva wati kwaari, "Pano chinhu chidonaka chingabvewo kuNazareta chere?"

Firipi adobva wamuti, "Uya uone." 47 Jesu paadoona Natanieri achiuya kwaari adomuti, "Nangarai muIzirairi wochokwadi, asinai unyengeri!"

48 Natanieri adoti kwaari, "Ko munondiziva tini?"

Jesu adomupindura achiti, "Ndakuona usati wadaidziwa naFiripi, pawanga uri pasi pomukuyu."

49 Natanieri adoti, "Mudzidzisi, muri Mwanakomana waMwari! Muri Mambo wovaIzirairi!"

50 Jesu adobva wamupindura achiti, "Watenda ndava ndati kwauri ndakuona pasi pomukuyu? Uchaona zvidokuritsa kukunda zvakarezvi." 51 Zvino adoti kwaari, "Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizuruka, ngirozi dzaMwari dzichikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu."

Veja também