Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 1

Kuzvahwa KwaJesu Kunotauhwa

26 Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. 27 Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya. 28 Ngirozi idouya kwaari ndokuti, "Mufaro kwauri, iwe waitihwa mutsa, Ishe anewe!"

29 Asi Mariya adonetseka maninge nokunyaira kwakareko, futi adofunga mupfungwa dzache kuti yangave mamoresero hwai yadodaro. 30 Ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Mariya, ndava waitihwa mutsa naMwari. 31 Saka chiona kuti, uchava nopamuviri wopona mwana mukomana, wauchatenza zita rokuti Jesu. 32 Achava mukuru, futi achadaidziwa kuti Mwanakomana woWokumusorosoro, futi Ishe Mwari vachamupasa mupando wokutonga wababa vache Dhavhiti, 33 futi achava Mambo muimba yaJakobho nokusingapere, noumambo hwache hunopfurukaba."

34 Asi Mariya adoti kungirozi, "Anga zvakarezvi zvinoitika tini, sezvo inipano ndisinai murume?"

35 Ngirozi idoti kwaari, "Mweya Mutsvene achauya pauri, nomasimba yoWokumusorosoro yachakufukidza, saka mwana achazvahwa achaitiwa mutsvene, Mwanakomana waMwari. 36 Chionaka, hama yako Erizabheti mukuchembera kwache watovawo nomimba yomwana mukomana, mwedzi uno watova wochitanhatu womunhu wakareyo waiitiwa ngomwa. 37 Nokuti naMwari hapanai chisingagoneke."

38 Mariya adoti, "Onai, ndiri murandakadzi waIshe, mbazviitike kwandiri zvarehwa noshoko renyu." Ngirozi idobva yabirika paari.

Veja também