Chimbo chaMariya Chokurumbidza
46 Futi Mariya adoti,
"Mwoyo wangu unokudza Ishe,
47 mweya wangu unofarira Mwari Muponisi wangu,
48 Ndava adorangarira kuzvidzika kwomurandasikana wache.
Nokuti kubva zvino mazera yese yovanhu yachanditi ndidoropafadziwa,
49 nokuti iye anomasimba adondiitira zvinhu zvikuru.
Zita rache ritsvene,
50 tsitsi dzache dziri pamusoro paivo vanomucha
kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.
51 Wanangidza simba noruoko rache,
wapamwadza vanozvitutumadza pamafungiro yomwoyo yavo.
52 Wagadzika pasi vanomasimba achivabiritsa pamipando yavo,
achikwidziridza vadozvidzika.
53 Wagutisa nozvinhu zvidonaka vanonzara,
vapfumi wavaendesa vari maoko vhuzuvhuzu.
54 Wabatsira muranda wache Izirairi,
mukuyeuka tsitsi dzache kwaari.
55 Sekunyaira kwaadoita kumadzibaba yedu,
kuna Abhurahamu nokuvana vache nokusingapere."