Kuporofita kwaZakariya
67 Zvino Zakariya baba vache vadozadziwa naMweya Mutsvene, ndokuporofita vachiti,
68 "Mbaakudziwe Ishe Mwari waIzirairi,
ndava wabvakachira nokununura vanhu vache.
69 Futi watisimudzira simba roruponiso
muimba yomuranda wache Dhavhiti.
70 Sekunyaira kwaadoita nomuromo wovaporofiti vache vatsvene kubva karekare,
71 kuti atiponese kubva kumhandu dzedu,
nokubva kuno vese vanotizonda,
72 kuti aite mutsa udovimbisiwa madzibaba yedu,
nokuyeuka chibvumirano chache chitsvene.
73 Mhiko yaadopikira kuna baba vedu Abhurahamu,
74 kutipasa kuti isisu,
tikasununguhwa kubva paruoko rovavengi vedu,
timushumire tisingache,
75 muutsvene nomukururama pamberi pache
mazuva yese yokurarama kwedu.
76 Iwe, mwana, uchadaidziwa kuti muporofiti woWokumusorosoro,
ndava uchaenda pamberi paIshe
kuti umunhadzirire nzira dzache,
77 kuti upase ruzivo roruponiso kuvanhu vache
kuburikidza nokuregerehwa kwozvitadzo zvavo,
78 nondava yokupfava kwotsitsi dzaMwari wedu,
patichabudihwa nozuva kubva kumusoro
79 kupasa chiedza kuno avo vadogara murima nomumumvuri woipfa,
nokutungamira tsoka dzedu munzira yorugare."