Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 10

Mufananidzo womuSamariya Adonaka

25 Zvino gweta, ridosumuka richimuedza richiti, "Mudzidzisi, chii chandingaite kuti ndigare nhaka youpenyu husingapere?"

26 Adoti kwaari, "Chii chidonyohwa mumutemo? Unoverenga tini?"

27 Futi adopindura achiti, "Unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nosimba rako rese, nokufunga kwako kwese, nokuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita."

28 Futi adoti kwaari, "Wapindura zvidokohoroka, enda woita zvakarezvi, urarame."

29 Asi iye, achida kuzviita munatsi, adoti kuna Jesu, "Mabiyangu wacho mbani?" 30 Jesu adopindura achiti, "Murume waiburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko, adobatiwa nomakororo, yadomusunhura nokumurova, nokumukuwadza vachibva vaenda vachimusiya wakomoka. 31 Zvino muphirisita waitekairawo nonzira yakareyo, paadoona murume wakareyo adotsambuka achimutsemba. 32 MuRevhiwo, paadosvika pakarepo achiona, adotsambuka achimutsemba kamu. 33 Asi muSamariya, wanga ari pahwendo, paadosvika paanga ari, paadomuona, adomunzvira tsitsi, 34 adoenda paari, ndokudira mapfuta nowaini pazvironda zvache, achizvipomberera, achibva wamukwidza paburu rache, achimuendesa kuimba yovarendo, kwaadomuchengetera. 35 Mangwana yacho adobiritsa madhinari yake mairi achiyapasa muchengeti woimba yovarendo, achiti, Muchengetei, pandinodzoka ndinodzoripa zvimwe zvese zvamunenge mashandisa."

36 "Mbani pavatatu vakarevo, waunofunga, kuti ndiye adoratidza kuva mabiyake kumurume wokubatiwa nomakororo?"

37 Ridoti, "Nyakumunzvira tsitsi."

Jesu adoti kwaari, "Endawo woita zvakarezvo."

Veja também