15 Manje adoti kwavari, "Hokoyo, futi muchenjerere kuchiva kwese, ndava upenyu hwomunhu hahusi pazvinhu zvizinji zvaanazvo."
16 Adovanyepa mufananidzo achiti, "Munda womumwe mupfumi udoita gohwo ridokuritsa, 17 Adofunga mumwoyo, achiti, ‘Chii chandichaita, ndava handinai pokuchengetera zvirimwa zvangu?’ 18 Ipopo adoti, ‘izvi ndizvo zvandichaita, Ndichapwanya zvitura zvangu, ndovakha zvikuru. Makaremo ndimo mandichaisa zvirimwa zvangu zvese nomidziyo yangu. 19 Ipopo ndichati kumweya wangu, unozvinhu zvizinji zvidochengetehwa makore mazinji. Tambarara, ija, umwe, ufare.’ 20 Asi Mwari adoti kwaari, ‘Iwe dzemwa! Usiku huno mweya wako uchatohwa, ko zvinhu zvawagadzira zvichava zvaani?’"
21 "Zvakarezvo ndozvidoita munhu anozviunganidzira pfuma, asi asinai kupfuma kuna Mwari."