4 Adoti. "Mbani pakati penyu kana anozana romahwai, anoti kana ribodzi rataika angareke kusiya makumi mapfemba nomapfemba musango, woenda koritsvaga kusvikira wariwana? 5 Kana wariwana anoriisa, papfudzi pache achifara. 6 Paanosvika kumba anokokera shamwari dzache novavakhidzani, achiti kwavari, ‘Farai nainini, nokuti ndawana hwai rangu ranga rataika.’ 7 Nokudaro ndinokuudzai kuti kudenga kunenge kuno mufaro mukuru pamusoro pomutadzi mubodzi anotendeuka, kukunda vanhu makumi mapfemba novapfemba vadorurama vasingade kupinduka."