Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 16

Murume Mupfumi NaRazaro

19 "Kwanga kuno umwe murume wanga adopfuma, waipfeka nguwo dzitsvuku dzidonaka nokuja zvidonaka mazuva yese. 20 Pasuwo pache paigara murume murombo waiitiwa Razaro, wanga adozara zvironda, 21 waida kuposhewa nozvaimbwera kubva pathafura yomupfumi, noimbwawo dzaiuya dzichinanzva zvironda zvache. 22 Murombo adopfa ndokutakuhwa nongirozi dzichimuisa pachipfuwa chaAbhurahamu. Mupfumi adodzopfawo ndokuvigiwa, 23 ari muHadhesi, achiyaura, adosumudza meso yache, ndokuona Abhurahamu ari kurefu naRazaro ari pachipfuwa chache. 24 Adodaidzira, Baba Abhurahamu, ndinzvirei tsitsi, tumai Razaro anyike kumhera kwokakumo kache mumvura atonhodze chirimi changu, ndava ndiri kudzimbiwa murimi rino romoto.25 Asi Abhurahamu adoti, Mwanakomana, yeuka kuti panguwa youpenyu hwako udotambira zvidonaka zvako, zvidodaro Razaro adotambira zvidoipa, asi zvino ari kunyaradziwa pano, iwepa uri mundondo. 26 Pamusoro pozvakarezvo zvese, pakati pedu naimimi padoisiwa gomba ridonoketsa, kuitira kuti vaye vanoda kubva kuno vachiuya kwakareko vatadzirire, uyewo kuti pasaye vangayambukire kuno vachibva kwakareko.27 Zvino adoti, Saka ndinokukumbirai baba, kuti mumutume kumba kwababa vangu, 28 ndava ndino vanin’ina vashano, kuti avachenjedze, kuti vareke kudzouyawo munzvimbo ino yokuyaura.29 Asi Abhurahamu adoti, Mozisi novaporofiti vanavo, mbavavanzve vakarevo.30 Asi adoti, Neye, baba Abhurahamu, asi kana pakaita anoenda kwavari achibva kuvadopfa, vachapinduka.31 Adoti kwaari, Kana vasinganzvi Mozisi novaporofiti, vanopindukarini kana pakatomuka umwe kubva kuvadopfa."

Veja também