Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 19

Kupinda MuJerusarema Achipemberehwa

28 Wapedza kunyaira zvakarezvi, adopfuurira mberi kuenda kuJerusarema. 29 Wava panyasi noBhetifegi noBhetani, pagomo rinoitiwa roMiorivhi, adotuma vadzidzi vache vairi, 30 achiti, "Pindai mumusha udonangarana nemi, pamunopinda muchawana kamhuru koburu kadosungirihwa, kasati kasinai kumbogadhiwa nomunhu, kasugudurei muuye nako kuno. 31 Kana paita anokubvunzai kuti, Muri kukasugudurirei?Munyepei kuti, Ishe vari kukada."

32 Saka vaye vadotumiwa vadoenda, ndokuzviwana zvidoita sekunyaira kwache. 33 Pavanga vachisugudura kamhuru, venekachiro vakene vadoti kwavari, "Muri kukasugudurirei kamhuru koka?"

34 Ivo vadoti, "Ishe vari kukada." 35 Zvino vadouya nako kuna Jesu, ndokukhandira hembe dzavo pakamwana koburu kuti Jesu adzigarire adokagadha. 36 Achienda adogadha daipo, vadowaridza hembe dzavo munzira.

37 Paanga wava papfupi, nopamateru yogomo roMiorivhi, gurusvusvu rese rovadzidzi ridothanga kufara nokurumbidza Mwari nomadzinga yopamusoro nondava yomabasa yese yosimba yavadoona. 38 Vaiti, "Adokomborehwa Mambo anouya muzita raIshe! Runyararo kudenga nokubhwinya kumusorosoro!"

39 Vamwe vaFarisi vanga vari mugurusvusvu vadoti kwaari, "Mudzidzisi, dzumai vadzidzi venyu."

40 Adopindura, "Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabhwe chaiyo yanothanga kudaidzira."

Veja também