Kuzvahwa KwaJesu
1 Pamazuva yakareyo chirevo chidobva kuna Ogasito Khesari kuti nyika yese inyohwe. 2 Kwakareku kwanga kuri kunyohwa kwokuthanga kudoitiwa Sairiniyasi ari mutongi woSiriya. 3 Munhu wese adoenda konyohwa, umwe noumwe kuguta rache.
4 NaJosefawo adobva kuGaririya, muguta roNazareta, ndokuenda kuJudhiya, muguta raDhavhiti rinoitiwa Bheterehema, nokuti wanga ari wodzinza nowoimba yaDhavhiti. 5 Adoenda konyohwa pabodzi naMariya waadokonza, wanga wava nomimba,