10 Ipopo ngirozi idoti kwavari, "Rekai kucha, nokuti, ndakuunzirai nyaya idonaka yomufaro mukuru uchava wovanhu vese. 11 Ndava nasi muguta raDhavhiti, mazvarihwa Muponisi, ndiye Khirisitu Ishe. 12 Futi ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri, muchawana mwana adoputiridziwa nomapiza adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo."