15 Ngirozi padzidobirika pavari dzichienda kudenga, anyakabusa vadotaurirana vachiti, "Mbatiendei kuBheterehema toona chinhu chakarechi chaitika, chataudziwa naIshe."
16 Saka vadoenda nokamangu, ndokuwana Mariya naJosefa, nomwana adoenzeresewa muchijiro chozvipfuwo. 17 Pavadomuona vadozivisa zvanga zvatauhwa kwavari pamusoro pomwana wakareyo. 18 Vanhu vese vadozvinzva vadoshamisiwa nozvavadonyepewa nananyakabusa.