34 Zvino Simiyoni adovaropafadza achibva wati kuna Mariya amai vache, "Ona, Mwana wakareyu adomisihwa kuwa nokusumuka kwovazinji muIzirairi, nochiratidzo chinonyaihwa zvokupikisa 35 futi bakatwa richakubaya nokutobirikira pamweya pako, kuti pfungwa dzomuhana dzovazinji dziisiwe pachenu."
Publicidade