48 Vabereki vache pavadomuona vadoshamisika, amaache vadobva vati kwaari, "Nai mwana, watiitirei daipa? Ona, baba vako nainipano tanga tichishupika kukutsvaga."
49 Iye adoti kwavari, "Ko manga muchinditsvagirei? Hamuzive nai kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?" 50 Asi havanai kunzvitsitsa zvaanga achinyaira kwavari.
51 Zvino adoenda navo ndokusvika kuNazareta, futi waivateerera, asi amai vache vadochengeta zvinhu zvakarezvi zvese mumwoyo mavo.