Publicidade

Lucas 23

33 Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Dehenya, pakarepo vadomurovera, nomakororo, umwe kuruji umwe kurubose. 34 Zvino Jesu adoti, "Baba, varekererei, ndava vanozivaba zvavanoita." Vadokhanda hakata kuti vakovane majasi yache. 35 Vanhu vadondomira pakarepo vadonangara, asi vatongi vadomushora, vachiti, "Adoponesa vamwe, mbaazviponese kana ari Khirisitu waMwari, Musaruhwa wache!" 36 Vahwi vadomunyadzawo, vadouya vachimupasa vhiniga, 37 vachiti, "Kana uri Mambo wovaJudha, zviponese!" 38 Panga panochinyohwa pakare pamusoro pache, "Uyu ndiye Mambo wovaJudha." 39 Umwe womakororo wanga adoturikiwa adomumbombodzera, achiti, "Ndiweba Khirisitu nai? Zviponese naisisuwo!" 40 Asi mabiyake adomudzuma, achiti, "Hauche Mwari nai, zvauri pakutongehwa mutongo mubodzi? 41 Isisu zvidokodzera, ndava tiri kutambira mubairo udofanira zviito zvedu, asi murume uyu haanai kuita chidoipa." 42 Adobva wati, "Jesu mundirangarire kana mopinda muumambo hwenyu." 43 Adoti kwaari, "Chokwadi ndinoti kwauri, nasi uchava nainini muParadhaisi."

Veja também

Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-