Jesu Anodaidza Vadzidzi Vokuthanga
1 Zvidoitika kuti vanhu pavaimusvanikidza kuti vanzve Shoko raMwari, iye wanga adomira mumhera mogungwa roGenesareti. 2 Futi adoona tumwadiya tuiri pamhera pogungwa, asi vabati vohove vanga vabirika maturi vaakusuka mambure. 3 Achipinda munokamwe kotumwadiya, kanga kari kaSimoni, adomukumbira kuti anyedze pashoma kubva panyika. Zvino adogarikika pasi ndokudzidzisa vanhu ari mukamwadiya.
4 Paadopedza kutaura, adoti kuna Simoni, "Nyudzai mambure yenyu kugwiri kuti mubate."
5 Zvino Simoni adopindura, "Tenzi, tatambura usiku hwese asi hapanai chatabata! Asi noshoko renyu, ndichanyudza mambure." 6 Zvino pavadondoita zvakarezvo, vadobata hove dzidowanditsa, mambure yavo yakatoda kuparuka, 7 vadoninira abiyavo munokamwe kamwadiya kuti vauye vavabatsire. Ivo vadouya ndokuzaza tumwadiya twese tuiri, zvokuti twanga totonyura. 8 Asi Simoni Pita paadoona izvi, adowira pasi patsoka dzaJesu, achiti, "Birikai kwandiri, ndiri mutadzi Ishe!"
9 Nokuti wanga washamisiwa, novese vaanga anavo, nokuwanda kwohove dzavadobata.
10 Fanikewo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya, vanga vachishanda pabodzi naSimoni. Zvino Jesu adoti kuna Simoni, "Rega kucha, kubva manje uchabata vanhu."
11 Pavadouyisa tumwadiya twavo panyika, vadosiya zvese ndokumutevera.