Kumutsiwa kwoMwanakomana Womujiche paNaini
11 Zvidoitika pazuva ridotevera kuti adoenda muguta raiitiwa Naini, vadzidzi vache nomhomho ikuru vadoenda naye. 12 Waakusvika panyasi posuwo roguta, padoita murume wanga wapfa wanga adotakuhwa kuendesewa kunze. Wanga ari mwanakomana mubodzi wamaache, vanga variwo mujiche, mhomho ikuru yomuguta yanga iri pabodzi nomujicheyo. 13 Ishe paadomuona, adomunzvira tsitsi ndokuti kwaari, "Rega kurira." 14 Adosvika ndokubata mukhangara, vatakuri vadomira kuti puru. Zvino iye adoti, "Jaha, ndinoti kwauri, muka." 15 Futi nyakupfa adobva wagarikika, ndokuthanga kutaura. Iye adomupereka kuna maache.
16 Kucha kudovabata vese, vadobva varumbidza Mwari, vachiti, "Muporofiti mukuru wamuka pakati pedu! Uye Mwari wabvakachira vanhu vake!"
17 Nyaya pamusoro pache idopararira muJudhiya rese nomatunhu yadopoteredza.