Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 7

24 Nhume dzaJohwani padzidoenda, adothanga kunyaira kugurusvusvu pamusoro paJohwani achiti, "Chii chamudoenda koona kusango, Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? 25 Chii zvino chamudoenda koona? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! 26 Chii manje chamudoenda koona? Muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. 27 Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, achanhadzira nzira yako.28 Ndinokunyepai kuti, pakati povadozvahwa novakadzi hapanai anokurira Johwani. Asi mudikidiki muumambo hwaMwari ndiye mukuru kwaari."

29 Pavadonzva zvakarezvo vanhu vese novateresi vadokudza Mwari, nokuti vanga vaombekewa noruombeko raJohwani, 30 asi vaFarisi nomagweta vadoramba zano raMwari kwavari, nokusaombekewa naye.

Veja também