31 "Nzvipi manje zvandingaenzanise nazvo vanhu vonguwa ino, vadofanana nani? 32 Vadofanana novana vadogarikika pamusika, vanodaidzirana vachiti, ‘Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidokuridzirai mhere asi hamunai kurira.’ 33 Nokuti Johwani Muombeki adouya asingaje mazingwa, kana kumwa waini, asi imimi munoti, ‘Anoshave!’ 34 Mwanakomana woMunhu adouya, achija nokumwa, asi imimi mudoti, ‘Onai! Nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!’ 35 Asi uchenjeri hunoruramisiwa novana vahwene vese."
Jesu Kumba kwaSimoni muFarisi
36 Umwe muFarisi adomukumbira kuja naye, zvino adopinda mumba momuFarisi, ndokutora nzvimbo yake patafura. 37 Zvino mukadzi womuguta rakarero, wanga ari mutadzi, paadoziva kuti Jesu wanga ari pathafura mumba momuFarisi, adouya noguchu romapfuta,