Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 8

27 Achindobirika mukamwadiya achisvika panyika, adokumana nomurume waibva muguta, anga adopotehwa nomashave. Wanga asingasimire mbacha kwonguwa irefu futi wanga asingagare mumba asi mumakuwa. 28 Paadoona Jesu adodaidzira nodzinga ropamusoro, ndokuwira pasi pamberi pache achiti, "Chii chamunoda kuita nainini, imi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirai kuti murege kunditambudza." 29 Nokuti wanga waraira mweya woutsambwa kuti ubirike mumurume wakareyo. Nokuti kwonguwa irefu wanga udomubata, waigara adochengetewa, adosungiwa manja nomakumbo nongetani, asi iye waidimura wotungamihwa noshave racho kusango, kunzvimbo dzache wega.

30 Zvino Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"

Iye adoti, "Rigiyoni," nokuti mashave mazinji yanga yapinda maari. 31 Mashave yadodzomukumbira kuti areke kuyaraira kuenda kugomba risingagon’e.

32 Zvino boka rikuru rohumba ranga richifura mumhera mogomo, mashave yadokumbira Jesu kuti ayabvumire kupinda madziri. Iye ndokuyabvumidza. 33 Ipopo mashave yadobirika mumurume yachipinda muhumba, zvino boka ridotizirana kumapiripiri dzichiwirira mugungwa ndokupfira makaremo.

34 Anyakabusa pavadoona zvanga zvaitika, vadotiza, ndokuzvinyepa muguta nomumisha. 35 Ipopo vanhu vadobirika koona zvanga zvaitika, vadosvika panga pana Jesu, ndokuwana murume adobiritsiwa mashave, adogarikika patsoka dzaJesu, adotosimira wava nopfungwa kwadzo, vachibva vacha.

Veja também