41 Zvino padodzouya murume waiitiwa Jairosi, wanga ari mukuru wosinagoge, achizviwisira pasi patsoka dzaJesu adomuteterera kuti aende kumba kwake. 42 Nokuti anga ano mwanasikana mubodzi, wanga ano makore gumi nomairi, wanga waakutandadza.
Paanga achienda vanhu vaibva kumativi yese vadomusvanikidza.