43 Zvino mukadzi wanga achibirika magazi kwomakore gumi nomairi pasinai waikona kumurapa, 44 adouya nomumasure make ndokubata mukombero wojasi rache, kabodzinokabodzi magazi yadomira kubirika. 45 Jesu adobva wati, "Mbani wandibata?"
Asi vese vadozviramba, Pita adoti, "Tenzi, mhomho iri kukuguma-gumai futi ichikutsvikinyidzai!"
46 Asi Jesu adoti, "Pano munhu wandibata, nokuti ndanzva simba richibirika mandiri." 47 Mukadzi paadoona kuti haanai kuhwanda, adouya achitetemera, adozviwisira pasi pamberi pache ndokumuudza pamberi povanhu vese chikonzero chaadomubatira, nomaporesehwo yaadoitiwa kabodzinokabodzi. 48 Jesu adobva wati, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa, enda murunyararo."