Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 1

Madziteteguru yaJesu Khirisitu

1 Bhuku romadziteteguru yaJesu Khirisitu, mwanakomana waDhavhiti, mwanakomana waAbhurahamu.

2 Abhurahamu waiva baba vaIsaki, Isaki waiva baba vaJakobho, Jakobho waiva baba vaJudha novakoma vache, 3 Judha waiva baba vaPerezi naZera vaadozvara naTamari, futi Perezi baba vaHezironi, Hezironi waiva baba vaRami, 4 Rami waiva baba vaAminadhabhi, Aminadhabhi waiva baba vaNashoni, Nashoni waiva baba vaSarimoni, 5 Sarimoni waiva baba vaBhowazi waadozvara naRahabhi, Bhowazi waiva baba vaObhedhi waadozvara naRute, Obhedhi waiva baba vaJese,

6 Jese waiva baba vamambo Dhavhiti.

Dhavhiti waiva baba vaSoromoni waadozvara nomukadzi waUriya, 7 Soromoni waiva baba vaRehobhoami, Rehobhoami waiva baba vaAbhija, Abhija waiva baba vaAsa, 8 Asa waiva baba vaJehoshafati, Jehoshafati waiva baba vaJoramu, Joramu waiva baba vaUziya, 9 Uziya waiva baba vaJotamu, Jotamu waiva baba vaAhazi, Ahazi waiva baba vaHezekiya, 10 Hezekiya waiva baba vaManase, Manase waiva baba vaAmosi, Amosi waiva baba vaJosiya, 11 futi Josiya waiva baba vaJekoniya novakoma vache, panguwa yokutapiwa kuenda kuBhabhironi.

12 Mumasure mokutapiwa kuenda kuBhabhironi, Jekoniya adova baba vaSharitieri, Sharitieri waiva baba vaZerubhabheri, 13 Zerubhabheri waiva baba vaAbhiudhi, Abhiudhi waiva baba vaEriyakimu, Eriyakimu waiva baba vaAzori, 14 Azori waiva baba vaZadhoki, Zadhoki waiva baba vaAkimu, Akimu waiva baba vaEriudhi, 15 Eriudhi waiva baba vaErieza, Erieza waiva baba vaMatani, Matani waiva baba vaJakobho, 16 Jakobho waiva baba vaJosefa murume waMariya adozvara Jesu anoitiwa Khirisitu.

17 Saka kubva pana Abhurahamu kusvika pana mambo Dhavhiti pano mazera gumi nomanai, kubva pana mambo Dhavhiti kusvika pakutapiwa kuenda kuBhabhironi pano mazera gumi nomanai, kubva pakutapiwa kuenda kuBhabhironi kusvika pana Khirisitu pano mazera gumi nomanai.

Veja também