Rekai Kutonga Vamwe
1 "Rekai kutonga, kuti imipa mureke kutongewawo, 2 ndava nomutongo wamunotonga nawo abiyenyu ndiwo wamuchatongewawo nawo, nomhimo yamunopima nayo ndiyo yamuchapimihwawo. 3 Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? 4 Kana ungati sei kuhama yako, ‘Reka ndikubise kasesu kari muziso rako’ imo muziso mako iwewe muno danda? 5 Iwe munyengeri, thanga wabiritsa danda riri muziso rako, ipopo uchaona mushe kubiritsa kasesu kubva muziso rohama yako.