2 Uye chirombo chakarechi chandidoona changa chidofanana nombada, tsoka dzachene dzanga dzidoita kunge dzochisvitsi, muromo wachene wanga udoita kunge womhondoro. Tsato idopasa chirombo masimba yayene nomupando wayene woushe nochikuriri chikuru.
6 Chidoshama muromo wachene kuti chishore Mwari, nokushora zita rache nonzvimbo yache yaanogara, novanogara kudengavo. 7 Chidotendehwawo kuhwisana novatsvene nokuvakunda, chidopasiwawo masimba pamusoro pomarudzi yese, novanhu vese, nomitauro yese, nonyika dzese dzopasi.