4 Pakarepo ndidoona mipando youshe, vanga vadoigarira mbaye vadopasiwa simba rokutonga. Ndidoona pakamu mweya yovaye vanga vadogwatiwa misoro nokuda kwokupfakazira Jesu noshoko raMwari. Vakareva ndivo vanga vasinai kunamata chirombo kana mufananidzo wachene, vasinai kuisiwa chidzvanga chochirombo pahuma dzavo nopamanja yavo. Vadorarama, ndokutonga naKhirisitu kwomakore yanosvika chiuru.
Publicidade