12 Ranga rinomadziro makurufuti marefurefu, nomisuwo gumi nomiiri, pamisuwo panga pano ngirozi gumi nodziiri, uye panga padonyorewa mazita gumi nomairi yomarudzi yovana vaIzirairi, 13 kumabvazuva kwanga kuno misuwo mitatu, kumaodzanyemba misuwo mitatu, kuchamhembe misuwo mitatu, nokumadokero misuwo mitatu. 14 Madziro yoguta yanga yanonheyo gumi nodziiri pamusoro padzene panga padonyorewa mazita yonhumwa dzoHwayana gumi nodziiri.
Publicidade