22 Handinai kuona imba yaMwari muguta, nokuti imba yaMwari yomuguta ndiIshe Mwari Womasimba yese noHwayana. 23 Guta ranga risinai basa nozuva kana mwedzi kuti zvirivhenekere, nokuti kubhwinya kwaMwari ndochiedza charene, noHwayana ndomwenje warene.
Publicidade