Tsamba kuKherekhe yopaSadhisi
1 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paSadhisi, mazvi yaiye anomweya minomwe yaMwari nonyenyedzi dzinomwe. Ndinoziva mabasa yako, kuti unozita rokuti uri mupenyu, asi udopfa. 2 Muka, usimbise zvasara zvaakuda kupfa, nokuti handinai kuwana mabasa yako yadokwana pamberi paMwari wangu.