Bhuku noHwayana
1 Zvino ndidoona mujanja roruji raiye wanga adogarikika pamupando woushe, muno bhuku ridonyohwa kwese, mukati nokunze, ranga ridonamiwa nozvisimbiso zvinomwe. 2 Pakarepo ndidoona ngirozi inosimba ichidaidzira nodzinga rinoruzha ichiti, "Mbaniko adokodzera kunamanura zvisimbiso zvobhuku rakareri nokurivhura?"