12 "Ndidonangara ndikaona Hwayana paridovhura chisimbiso chochitanhatu, padoita kugwetedzedzeka kukuru kwonyika, zuva ridosvipa kunge kapfebve kadogadzihwa noukuse husvipa hwombudzi. Mwedzi wese udotsvuka kunge magazi, 13 nonyenyedzi dzidombwera pasi kunge mukuyu uri kuzunza maganga yawene, kana uchigwetedzewa noduthu rinosimba.