VaIzirairi Zviuru Zana noMakumi Manai noVanai
1 Mumasure mozvakarezvi ndidoona ngirozi dzinai dzidomira pamativi manai yonyika, dzidovhara mhepo dzinai dzonyika, kuti mhepo ireke kuvhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti upi zvawene. 2 Ipopo ndidoona imwe ngirozi ichikwira ichibva kumabvazuva, yanga inochisimbiso chaMwari mupenyu, idodaidzira nodzinga rinoruzha kungirozi dzinai dzanga dzapasiwa masimba yokukuwadza nyika nogungwa, 3 ichiti, "Rekai kukuwadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzovaranda vaMwari." 4 Ndidonzva kuwanda kwovadoisiwa chisimbiso, vanga vari zviuru zvinomazana makumi manai nozvinai kubva kumarudzi yese yovana vaIzirairi, 5 kubva kurudzi raJudha zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRubheni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raGadhi, 6 zviuru gumi nozviiri kurudzi raAseri, zviuru gumi nozviiri kurudzi raNafutari, zviuru gumi nozviiri kurudzi raManase, 7 zviuru gumi nozviiri kurudzi raSimiyoni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRevhi, zviuru gumi nozviiri kurudzi raIsaka, 8 zviuru gumi nozviiri kurudzi raZebhuroni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raJosefa, zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso kurudzi raBhenjamini.