Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 1

11 Zvino ngirozi yaIshe idoonewa naZakariya, idomira kuruji roatari yozvinonushira. 12 Zakariya paadoona ngirozi adonetseka nazvo, ndokubva wabatiwa nokucha. 13 Asi ngirozi idoti kwaari, "Reka kucha, Zakariya, ndava munamato wako wanzvika, futi mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwana mukomana, iwepa womutenza zita rokuti Johwani. 14 Futi uchava nomufaro nokukondwa, novazinji vachafara pakuzvahwa kwache. 15 Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, achamwaba waini kana zvinokora, futi achazadziwa naMweya Mutsvene, kubva mudumbu ramaache, 16 futi achadzotsa vanakomana vazinji vovaIzirairi kuna Ishe Mwari wavo. 17 Achaenda pamberi paIshe mumweya nomusimba raEriya, kuti adzotse mwoyo yanababa kuvana, novasingateereri kuuchenjeri hwovadorurama, kuva anoitira Ishe vanhu vadogadzirira."

Veja também