16 futi achadzotsa vanakomana vazinji vovaIzirairi kuna Ishe Mwari wavo. 17 Achaenda pamberi paIshe mumweya nomusimba raEriya, kuti adzotse mwoyo yanababa kuvana, novasingateereri kuuchenjeri hwovadorurama, kuva anoitira Ishe vanhu vadogadzirira."
Publicidade