Kuzvahwa KwaJesu Kunotauhwa
26 Mumwedzi wochitanhatu ngirozi Gabhurieri idotumiwa naMwari kuenda kuguta roGaririya rinoitiwa Nazareta. 27 Idoenda kumhandara yanga idobvunzihwa nomurume waiitiwa Josefa, woimba yaDhavhiti. Zita romhandara yacho raiitiwa Mariya.