Kuzivisiwa Kwokuzvahwa KwaJohwani Muombeki.
5 Mumazuva yaHerudhe, mambo woJudhiya, kwaiva nomuphirisita waiitiwa Zakariya, wogovero raAbhiya, waiva nomukadzi wanga ari wokuvanasikana vaAroni, zita rache richiitiwa Erizabheti. 6 Vese murume nomukadzi, vanga vadorurama pamberi paMwari, vachifamba mumitemo yese nomumirau yaIshe pasinai chaishoreka.