59 Vadouya nozuva rochisere kudzochecheudza mwana, pakarepo vadoda kumutenza zita rababa vache rokuti Zakariya. 60 Asi amai vache vadoti, "Neye, achatenzewa zita rokuti Johwani."
61 Vadoti kwaari, "Pahama dzenyu hapanai anodaidziwa nozita rakareri." 62 Vadoninira nomanja kuna baba vomwana, vachibvunza zita raidiwa nababa kuti mwana atenzewe.
63 Zakariya adokumbira hwendefa rokunyorera, ndokunyora kuti "Zita romwana ndiJohwani." Vese vadoshamisika nazvo. 64 Pasinai nonhambwe yese muromo waZakariya udovhurika, chirimi chache ndokupfuduka, adobva wathanga kutaura achikudza Mwari.