Pular para o conteúdo
Publicidade

Atos 2

41 Zvino avo vadotambira shoko rache vadoombekewa, zuva rakarero vanhu vanoda kusvika kuzviuru zvitatu vadoingidzihwa kuungano yavo. 42 Vadozvipira kudzidziso dzonhumwa nopakuwadzana, nopakukomora mazingwa, nopaminyengetero.

Mugariro Wovatendi

43 Kucha kudouya kuvanhu vese, nokuda kwozvishamiso nozviratidzo zvizinji zvidoitiwa nonhumwa. 44 Vatendi vese vanga vari pabodzi vaiti zvinhu zvese nzvedu tese. 45 Vadotengesa pfuma yavo nozvinhu ndokuzvikovera kuno vese, umwe noumwe pakushaiwa kwache. 46 Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka, 47 Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.

Veja também